(Sung in Shona – A hymn)

Ndaverenga makomborero (I’ve counted all my blessings)
Ndaona akawanda (And saw that they are many)
Kupfura kukundikana (More than my failures )
Ishe Jesu ndokutenda (I say Lord Jesus, thank you) (Repeat)

Refrain:
Handaive zvandiri nhasi (I would not me today)
Dzisiri nyasha dzenyu (If not for Your Mercy)
Zvakawanda zvaida kundiodza moyo (Many things discouraged me)
Ruoko rwenyu rwakandirwira (But Your hand fought for me)

Zuva nezuva ramunondipa Mwari (For everyday You give me Lord)
Ndinobuda neTestimony (I come with a testimony)
Kurarama, utano, zvokudya nozvokupfeka (My life, health, food and clothing)
Ndiwo makomborero (These are my blessings)

Ndaverenga mikana yamakandipa (I’ve counted all the opportunities You gave me)
Ndaona yakawanda (And saw that they are many)
Kupfuura zvakaramba (More than my failures)
Ishe Jesu munondigonera (Lord Jesus You do well by me)

Ndaverenga zvangu zvakaita (I’ve counted all that I have achieved)
Ndaona zvakawanda (And saw they are many)
Kupfuura zvakaramba (More than my failures)
Ishe Jesu munondigonera (Lord Jesus You do well by me)

(Refrain)

Repeat: Makomborero (Blessings)
Hupenyu (To life)
Hutano (To Health)
Nerugare (To prosperity)
Nemhuri yangu (My family)
Shamwari dzangu (My Friends)
Zvokudya (What I eat)
Zokupfeka (What I wear)
Nepokugara (Where I live)

Ndakazviona kuti hamundisiye ndoga imi (I know You will not forsake me)
Mwari wangu, Munehurongwa neni (My God You ave plans)
Hwakandinakira chose (That are for my good)
Ndakazviona kuti, hamundikanganwe kwete (I know that You’ll never forget me)
Mwari wangu, ndinesungano nemi (My God I’ve made a covenant with You)
Yakandinakira chose (That is for my good)

Hupenyu hwangu (mawo?)wose mondipa mufaro (Throughout my life You’ve given me joy)
Mwari eh, munondipa mufaro, mufaro (Oh God, You give me Joy, Joy)
Munondipa mufaro, Mufaro (You Give me Joy, Joy)
Munondipa mufaro (You Give me Joy) (Repeat)

Ndaremerwa munotura mutoro (When I’m tired You give me rest)
Mwari wangu, munotura mutoro, Mutoro (My God, You give me rest)
Munotura mutoro, Mutoro (You give me rest, rest)
Munotura mutoro (You give me rest)
Ndaremerwa munotura mutoro (When I’m tired You give me rest)
Ishe wangu, munotura mutoro (My Lord, You give me rest)
Munotura mutoro, Mutoro (You give me rest, rest)
Munotura mutoro (You give me rest)
Hamudi ndisuwe, mutoro (You don’t want me to suffer)
Hamudi ndicheme (You do not wish for me to weep)

Nenyasha dzenyu Mwari zvinoita chete (By Your Grace, God, it will be done)
Mwari wangu, zvinoita chete, zvinoita chete (My Lord, it will be done, yes it will)
Zvinoita chete, zvinoita chete (It will be done, Yest it will)
Zvichaita chete (It will be done) (Repeat)

Hupenyu hwangu (mawo?)wose mondipa mufaro (Throughout my life You’ve given me joy)
Munondipa mufaro, mufaro (You Give me Joy, Joy) x3 (Repeat)

Ndaremerwa munotura mutoro (When I’m tired You give me rest)
Mwari wangu, munotura mutoro, Mutoro (My God, You give me rest)
Munotura mutoro, Mutoro (You give me rest, rest)
Munotura mutoro (You give me rest)
Ndaremerwa munotura mutoro (When I’m tired You give me rest)
Ishe wangu, munotura mutoro (My Lord, You give me rest)
Munotura mutoro, Mutoro (You give me rest, rest)
Munotura mutoro (You give me rest)
Hamudi ndisuwe, mutoro (You don’t want me to suffer)
Hamudi ndicheme (You do not wish for me to weep)

Nenyasha dzenyu Mwari zvinoita chete (By Your Grace, God, it will be done)
Mwari wangu, zvinoita chete, zvinoita chete (My Lord, it will be done, yes it will)
Zvinoita chete, zvinoita chete (It will be done, Yest it will)
Zvichaita chete (It will be done) (Repeat)

Ndimi Mwari vanondichengeta (You are the God who keeps me)
Mazuva ose ehupenyu hwangu (All the days of my life)
Ndimi Mwari anonditarisa (You are the God who sees me)
Mazuva ose ehupenyu hwangu (All the days of my life)
Ndimi Mwari anogara neni (You are God who lives with me)
Mazuva ose ehupenyu hwangu (All the days of my life)
Ndimi Mwari anomira neni (God who stands with me)
Mazuva ose ehupenyu hwangu (All the days of my life)

Repeat: Jehova, Mwari makanaka (Lord, God You are Good)
Makanaka (You are Good)x?
Tinotenda (We thank You) x?

Tinotenda x3 Baba (We thank You Father)
Tinotenda x3 Jeso (We thank You Jesus)
Makanaka x3 (Father, You are Good)
Makanaka x3 (Jesus, You are Good)

Advertisements